Mudzimba with Mai Chisamba: “Family Black Sheep”

06 Jul, 2014 - 12:07 0 Views

The Sunday Mail

Mai Chisamba2 teaserMUDZIMBA WITH MAI CHISAMBA

‘Seen as Family’s Black Sheep’

Mai Chisamba, mumhuri ndinenge black sheep, ndinosarudzwa semutorwa nekuti handina chaicho chinobatika. Vabereki vangu, zvikuru sei amai vangu, vanoda twunhu. I have two sisters in the UK, vanoita sevachavanamata. My younger brother ane basa repamusoro kunyange ari muno muZimbabwe. Chinonyanya kundirwadza ndini dangwe, vanotonzi Mai Tawanda, rinova zita rangu. I try my best to please my parents nekuitawo icho neicho, but unongonzwa vachishora. This has affected my wife and children because we are like second-class citizens. Zvinhu zvakaora kana zvakasakara ndizvo zvinonzi endesai kwaTawanda. Vavakundipa hasha ndichazovarova nekuti zvanyanya. Ndibatsireiwo, kana mari chaiyo hanzvadzi dzangu dzichida kunditumira vanotopiwa instruction yekuti iunzwe nekuna amai nekuti vanoti I am not a responsible person. Ndiri baba, vane vana vatatu, vanoendawo kuchikoro. Mukadzi wangu ari kuverenga kuti apedzese two O Levels dzake. I am employed as a driver/office orderly, ndanyanyo shoreka sei kurwadziswa zvakadai? — Tawanda

RESPONSE
Tsamba yako yazadza maziso angu nemisodzi. Chokutanga, hapana munhu kana basa rakashoreka. Kwandiri uri mukono nokuti kana uri kuchengeta mhuri yako, vachienda kuchikoro, zve uchikuridzira mudzimai kuenderera mberi nedzidzo, urikugona. Tawanda, dzora hasha dzako, mai havarohwe, kunyangwe zvodini, zvinhu zvinotauriranwa.

Ndinofara kuti wabvunza usati waita mashura aya. Vabereki vako vane dambudziko rekukara, vanoona mari netunhu pachinhanho chekuona mhuri yavo sevanhu vakaringana. Idzo hanzvadzi dzako sei dzichiita sevanhu vasina rujeko?

Vaudze wakashinga kuti kana vasingade kutumira mari direct kwauri kana kumudzimai wako, ngavarege havo.
Dzimwe nguva kahunhu kanenge kekunyengerera kanopa wrong impression. Munhu munhu, unogona kuzvimirira.
Zvinhu zvapera basa musambozvigashira, ungapiwe zvekunzi mozonosonesa?

Vabereki vako ngavazive kuti zvinonzi manhanga chenga ose ramangwana harizivikanwe, pamhuri yose vanogona kusara newe wega, vanozozvifambisa sei? Iwe ramba uchivaitira zvakanaka zvaunogona, vanhu vanotendwa naMwari, saka usaore moyo.

Kana zvanyanya, daidzai hama dzamai, her sisters or brothers, mokurukura nyaya iyi kuti vazorega kuti ndakatukwa nemwana. Ko ivo baba vako vabva vaitawo zii kudai nei?  Havasi kuonawo here zvirikuitika mumhuri? Uri mwana wedangwe, stand up and be counted, usatarisire kunzwirwa tsitsi nemumwe munhu.

Shinga, Tawanda, shinga, hapana chausingagone kuita.

Dzidzawo zvirikuita mudzimai wako unotozopedzisira wave CEO pauri kushanda nhasi.

Share This:

Survey


We value your opinion! Take a moment to complete our survey

This will close in 20 seconds