‘Resolve conflicts and move forward’

14 Jan, 2018 - 00:01 0 Views
‘Resolve conflicts and move forward’ President Emmerson Mnangagwa (centre) and the two vice presidents Retired General Constantino Dominic Nyikadzino Guvheya Chiwenga (left) , Kembo Mohadi (right) President of the National Council of Zimbabwe Chiefs, Fortune Charumbira (second from right),and Minister of Local Government. Public Works and National Housing July Moyo (second from left) sing national anthem during in Gweru yesterday (Picture by Justin Mutenda )

The Sunday Mail

The following is President Emmerson Mnangagwa’s address to chiefs in Gweru yesterday.

***

Ndini ndakukokayi kuti tisangane. Zvanga zvakanaka ndezvekuti ini ndifambire mambo mumwe nemumwe kana kuti nduna imwe neimwe, mambo mumwe nemumwe kumba kwake ndichiti ndozvavepo.

Zvino pandakaudzwa kuti muri (kuma)280, ndikaenda kuna mambo mumwe nemumwe once a week, zvinotora makore matatu ndisati ndapedza kuti ini mwana wenyu ndini ndavapo.

Saka takazova nezano rekuti ndokukumbirayi mese kuti tiungane.

Mungangoita zvekunzwa kuti pakaita transitional period yakaita kuti baba vedu, the Founding Father of our nation and our revolutionary icon, of our armed revolution, baba vaMugabe, varesigner.

Central Committee yeZanu-PF ikandidzorera pahuVice-President hweZanu-PF.

Pashure pazvo, baba varesigner, vaMugabe, murayiro wedu weConstitution yeZimbabwe, kana President vakaresigner, musangano une vanhu vakawanda, vane majority muParliament, vanofanira kunomineta mumwe wavo kuti atore chinzvimbo chehuPresident sezvo party iyoyo ndiyo inenge ine majority muParliament.

Saka Central Committee yeZanu-PF ikadoma ini kuti ndive President; kunyorera kuna vaSpeaker kuti ndivo vatava navo.

As a result of that ndikazogadzwa musi wa24 November gore rapera.

Asi muna December, takazoita Congress yedu yanga yakagara yakarongwa nechakare nemusangano pandakazosarudzwa kuita President weZanu-PF.

Zvaitika izvozvo, hongu, tinoziva kuti madzimambo munenge muchizviziva, asi munenge musina kuturirwa kuti ndizvo zvaitika.

Saka ndakafunga kuti zvingava zvakanaka kuti ini somwana wenyu ndiuye kwamuri saana baba kuti mungangonzwa nemakuhwa.

Ichokwadi kuti ndini ndava President; ndichikuudzayi saana baba kuti ini mwana wenyu ndozvavapo izvo. Saka ndakakumbira kuti tisangane.

Hongu, mungati aiwazve, kana isu tiri anababa. Dai watifambira, iwe wauya kumba kwedu, kwenyu kuti ndizotaura izvozvo.

Sekutaura kwandaita, nekuwanda kwamakaita, makore mana ndichingotenderera ndisati ndapedza. Saka mundiregerere kuti ndakuunganidzayi kuti ndikutaurireyi izvozvi zvavapo munyika yedu ino yeZimbabwe.

Ndinoziva chose kuti hakuna nyika isina vene vayo kana pakati pedu pane mumwe anoziva dunhu risina mwene. Ndiudzeyi. Hapana.

Nyika imwe neimwe, dunhu rimwe nerimwe rine vene varo.

Zvino iwe ukanzi wava mambo, mutungamiri wenyika, unoziva kuti matunhu ane vene vawo wawava kutonga. Zvinenge zvakakodzera kuti uudze varidzi vematunhu, varidzi venyika kuti ndozvavepo izvi.

Nemiwo matunhu enyu moti takaudziwa, takashumiwa tiwane kufamba rwendo rwedu zvakanaka tichiziva kuti taudzana.

Shoko rechipiri nderekuti gore rapera, ndofunga ndemuna October, madzimambo ose makasangana naformer President vaMugabe kuBulawayo.

Ndakakokwawo; ndainge ndiripo ini neumwe wangu former Vice-President vaPhelekezela Mphoko. Tainge tiripo pakaitwa hurukuro dzakati dzameyi.

Pakava nezvivimbiso zvakapihwa ipapo nenguva iyoyo nevaiva President, vaMugabe, nevaiva Minister, vaKasukuwere, vakanga varipo panguva iyoyo.

Zvamakanga machema kuti mupihwe, zvino ndakafunga kuti vamwe vangu ava zvavaane moyo wekuti transition yaitirweyi nekuti zviya zvinhu hazvisati zvauya, dai yakatombomira titange tawana mota.

Saka ndati tiudzane kuti aiwa, zvinoitika zvinhu izvi. Zvine vanoronga. Hongu, isu sevanhu tine kuronga kwatinenge tichiita, asi toti kana Mwari achida, ngazvizadzikiswe.

Shoko iroro randichatanga kubata ndooguru redzimotokari. Pane zvimwe zvichemo zvakapihwa, zvamakapa kunaformer President, sezvo ndakanga ndiripo ndozviziva. Zvimwe ndanga ndagara ndichizviziva nekuti vaCharumbira vanogara vachingondinetsa nezvimwe zvichemo ndichingoti endayi munochema kwazvinofanira kuchemegwa, but vaingouya kwandiri.

Panyaya yedzimotokari, pakapinda nyaya dzataurwa naVice-President vaChiwenga saka zvimwe zvinhu hazvina kunge zvaakufamba pamusaka penyaya idzodzo dzakanga dzaakuitika mumusangano nemuHurumende.

Ndobva papinda nyaya yezororo yefestive season.

Makambani emuno muZimbabwe nekuSouth Africa akanga avhara.

Mamwe ndofunga achatanga kuvhurwa musi wa15 svondo rinouya. Ndokuti mabasa atange kushandwa.

Saka kuti zvinhu zvimwe zvizadziswe zvamakanga makavimbiswa maererano nezvekufambisa, hazvina kukwanisa kuti zvingaitike makambani akavharwa.

Chechipiri, tainge tisingazive kuti mari yacho yaibva kupi, asi tikati sechinhu chakavimbiswa neHurumende, ngachibva chazadziswa. Ndikafunga kuti ndikamirira kuti mota dzitengwe dzikwane imi mumoyo menyu nyangwe musina kududza, munenge muchingoti kapwere aka kanopinda pachigaro chakadayi kotadza kuziva kuti nyika ine varidzi vayo?

Hamuchataura nyaya dzemota, maakutotaura kuti ini handikuyeukeyi kuti muriko.

Saka tikafunga kuti kunyangwe dzisati dzatengwa, dzakwana, regai tisangane, asi pane dzangadzatengwa iye zvino izvi, dzainge dzaiva dzasvika; I think i52 dzaive dzasvika.

I think next week kunosvika dzimwe 26, next week kuchisvika dzimwe saizvozvo.

Ndagara pasi naMinister wedu weLocal Government naGovernor wedu tikagara pasi naMinister of Finance tikawirirana kuti tizadzise chichemo ichocho kuti umwe neumwe ave nemotokari yake tisati tasvika kuma elections.

Kusarudzo munenge mavanadzo makwana.

Saka idzodzi idzi dziripo idzi, ndakabvunza Minister kuti tombomirira kuti dzikwane here kana monobvunza vatungamiriri vamadzishe namadzimambo vanova Mambo Charumbira na Mambo Khumalo vari pano.

Saka vakawirirana vakati aiwa idzodzi dziripo ngadzimbogoverwa, dzimwe dzikauya masvondo maviri matatu dzoendeswa zve, ndinofunga kuti panext-round dzinenge dzakawanda kupfura dzatauya nadzo.

Tichapa 48 chete nhasi kumadzimambo, kunosara four, saka ndisati ndaenda mberi ndoda kuti zvarongwa nevaronga pa 48 tinopa 6 pa province tozopa futi pane dzinoteveera.

Ndokumbira kuti Minister of Local Government vaMoyo vataure province by province, six vanzi vadziwane nhasi, vatichapa ma key acho nemota yacho nhasi, kana uina driver wobva wadriver wobva wainda kana usina unosiya hako wozoti kana wavana driver wozouya wozotora.

Taurai 48 vacho Cde July Moyo; patichakupa ndinenge ndiriko, umwe nemumwe ndichapa ndega.

Zimbabwe iri muSADC region tine hushamwari nedzimwe nyika, tiri 15 countries muSADC saka nemachinda angu maVice-Presidents takaona zvakakodzera kuti tiende kunotsanangura the new order ini ndichinoonawo maseniors angu, vakuru kwandiri maPresidents kuSADC.

Saka pari zvino ndaenda kuviri, ndakatanga nekuSouth Africa kwaPresident Jacob Zuma, ndivo President and chairperson weSADC iko zvino, zuro taiva kuLuanda tichionana naPresident Lourenco vekuAngola varivo chair we organ on Politics, Defence and Security.

NeMonday ndinenge ndichinoona President Gneingob wekuNamibia nechitatu ndinenge ndichinoona President Nyusi weku Mozambique then ndozonoona President wekuZambia and then 12 and 13 ndoinda kuBotswana uko inenge ichitova State visit tichitaura navo kuti ndizvo zvava kuno kuZimbabwe.

KuAngola vakafara kuti zvinhu zvakafamba zvakanaka murunyararo chaizvo plus ndakavavimbisa kuti isu samaZimbabweans tine mukuru wedu, tichamuchengeta, vaMugabe tichavachengeta the best we can nekuti ndibaba vedu.

Pane nyaya dze mafishing permits dzataurwa, asi ndaudzwa kuti mapermits aya kana uri mambo anopihwa for free, asi pane renewal paevery year muchibhadhara mari, saka ndataura navaCharumbira kuti ndichatura neveMinistry, Mai Muchinguri, kuti kana mapermits ari kuna mambo haangarambi hawo achipihwa for free ogara akadaro.

Apo tichataura naMai Muchinguri.

Then masimudza nyaya yekuti madzimambo ada kuti avhote kuma rural district councils, ndodzimwe dzekuzoti kana ndazogara pasi neChiefs Council nema Ministers ano administer Act yacho varipo tigotaura kuti zvinokwanisika here kana kuti hazvikwanisike mowana mhinduro ipapo.

VaCharumbira kuda ndivo vataura zita kuda ndiani vakumbira kuti kuve neChiefs Council offices at national level; ini handione kuti zvakaoma.

Asi tichataura naMinister veLocal Government kuti obviously hatingavi neChiefs Council isina painowanikwa.

Inofanirwa kuwanikwa pane address; izvo ndofunga zvinofanirwa kuti zvigadzirwe.

Pane vataura nyaya dzeZisco ne Shabanie mines, zviri kugadzirwa; zvose izvozvo inyaya dziri mundima pa100 days.

Pa100 days ndofunga dzese dziri mbiri dzinofanirwa kunge dzaakushanda.

Kune vataura nyaya yeChild Marriages Bill, Minister vedu veJustice vari kuti vane nyaya yacho.

Zvokuti ndafara nekuti madzimambo mataura nyaya yacho iyoyo nokuti tava nemurairo yekuti hatidi kuti vana vadukwane varoore kana kuroorwa pasi pe18 years.

Saka mutemo wacho uri kugadzirwa ndofunga uchapinda kuParliament pasina nguva yareba.

Minister vakandiudza kuti vari kugadzira Bill racho iroro kuti ribve rauya kuParliament.

Mataura nyaya yeLand Commission Bill, yakapasa kuLower House ikapasa kuSenate yavakwa President, kwangu kuti ndichiipasisa handisati ndaipasisa nokuti chichemo chakauya kwandiri nava Charumbira navaKhumalo.

Vakapa chichemo chakakora saka handisati ndapasisa Bill iroro; kuri signer handisati ndari signer saka harisati rava mutemo.

Ndakamirira kuti ndiwane mukana wokuti ivo vari vaviri naMinister of Justice naMinister of Local Government tisangane nokuti pamutemo uripo iko zvino izvi, pandakangobvunza kuti zvakamira sei ndakaudzwa kuti Constitution yedu inotinetsei kuti tiite zvavanokumbira saka tine mweya wokuti hatingaigadziri here iyoyo Constitution kuti ibvume zvatinoda saka inyaya yandati nditaure, handi sayine dzamara tapedza kutaura nyaya iyoyo. Ndomaererano neizvozvo.

Samadzimambo, pahondo yedu yerusununguko, makava nendima yenyu yamaiita yepolitical awareness kumatunhu amaigara – moral and spiritual support yamaitipa.

Sokutaura kwamaita kuti isu tiri muhondo tainge tisinga siyane netsika dzedu dzepasi chagare, taibvunza matunhu ataive, taibvunza matunhu kuti makamira sei tofamba sei?

Imwe yemabasa amunoita semadzimbo ndoyatoti social guidance and you are also muchirungu safety nets zvokubatsira mumhuri dzamugere nadzo kumaruwa kwamuri.

Samadzimambo kana Hurumende isati yasvika, ava Mai Kagonye vasati vasvika kuzobatsira, imi mune matoziva kuti pane mhuri yaita nzara, kana kuti pane mhuri yaita njodzi.

Zvinenge zvakakodzera kuti nyaya yakarongwa yeZunde raMambo itsigire izvozvo.

Saka tinenge tichikumbira kuti Minister venyu vamhanye nendima iyoyo ini ndoitsigira.

Bumbiro remutemo redu rinotaura kuti local communities, nharaunda, dzine kodzero yekuwana cheuviri munzvimbo dzavagere, kumaresources emunzvimbo dzamugere, zviri mubumbiro remutemo izvozvo.

Saka kunofanira kuwana nzira, of course kune anonzi maShare Ownership Schemes kumatunhu mamwe; mamwewo haana, tinofanira kuwana zvatinoita ipapo seHurumende.

Macommunities ose awane chaanowana chouviri munzvimbo dzavagere.

SeHurumende itsva tine shungu dzekuti izvozvo zvibudirire tichawana maitiro atichaita kuti zvibudirire. Uyezve semadzimambo munoshanda murimuma Rural District Councils.

Hongu maDistrict Councils aya ane vana vechidiki, vana venyu vakafunda mabasa anenge achidiwa imomo, asi imi mune ndima yenyu muma Rural District Councils yekubatsira ruzivo netsika zvinofanira kuti zvitevedzwe munzvimbo imomo.

Uye imi munoteererwa nevanhu vamugere navo, maSabhuku nemaSadunhu enyu.

Iye zvino haticharambi tichiita magariro nemarimiro akare tava kuita marimiro emazuva ano.

Saka madzimambo anokwanisa kuti abatsire panyaya iyoyo kuti panzvimbo yatigere tisaita marimiro anokanganisa environment.

Ibasa ramunenge muinaro iroro muchibatsira.

Hongu kune mainfrastructure anodiwa, rural electrification inodiwa, ticharamba tichienda nayo mberi depending on the availability yemaresources asi programme yemagetsi yaticharamba tichisumudzira countrywide, yakambosimuka chaizvo chaizvo nyacho yekuisa magetsi kumaruwa asi yakabva yamboita sekumira pamusaka pemaresources kuHurumende.

Gore rapfuura iro takauya neCommand Agriculture; ndini ndaifamba nayo hatina province yatisina kuita, takaita maprovince ose, madzimambo mazhinji takasangana.

Takawana goho rakanaka gore rapera iri zvekuti chibage chinodiwa pagore tinacho, chibage chinodiwa kustrategic grain reserve tinacho uye tine chimwe chekuraudzira chasara parutivi, excess tinayo.

Zvekuti tikafunga kutengesa tinokwanisa kutengesa ichocho.

Gore rino iri, nyaya ye Command Agriculture yanga yapinda njodzi saka muchiona yanonoka gore rino iri, injodzi yanga yauya ichibva kune vanga vasingadi kuti Command Agriculture ibudirire.

Zvino ndangariro iyoyo yatova yazuro nekuti ivavo havasisina simba rekuti vaimise.

Nhamo yakaitika ndeyekuti mwaka haumire kuti zvinhu zvigadzirisike, mwaka wakaenda mberi mvura ichinaya, zvokuti dai makangamapihwa zvinhu uku politics zvinhu zvisina kugadzirisika.

Asi zvinhu zvagadzirisika iye zvino manje saka tovimba kuti zvinhu zvichadzoka pazvanga zviri kana kuti pari nani nokuti ini saPresident ndotsigira Command Agriculture ne Command Fisheries.

SeHurumende zvakare, tine programme yekututsira irrigation, kuda makanzwa vaChinamasa vachitaura nyaya ye irrigation.

Takawirirana navaChinamasa kuisa mari parutivi, yakaiswa pabudget, yekuti district rimwe ne rimwe each season or each year inofanira kuwana 2000 hectares dze irrigation.

Madistricts mangani? 60 districts.

Saka zvobvira kuti pagore tinofanira kuwana 120 000 hectares under irrigation. Tichiti each district ngaiwane at least 2 000 hectares.

Kana province ichinge yati haisisina mukana, tino shifter mahecters iwayo kuenda kune imwe province kututsira pane 2000 iwayo.

Asi at the end of the day tine programme ne mari yekuti pagore tiite 120 000 hectares dze irrigation throughout the country.

Tikaita izvozvo, after a few years patinosvika ku 300 000 hactares under irrigation or more tinenge tava guaranteed kuti mvura ikanaya kana kuti ikasanaya ne irrigation we will still be able to produce in excess of more than 2 million metric tonnes of grain.

That guarantees food security munyika medu.

Toenda kunyaya yamataura in the administration of justice, kuti imi kana mukatonga nyaya dzenyu munozodanwa futi kumberi kuti makatonga sei.

Nyaya idzodzo mozodzi raiser kuna Vice-President or President weCouncil, pamusangano wedu we Chiefs’ Council, Minister veJustice vanenge varipo, kuti chichemo chenyu chakamira sei, tingachigadzira sei chichemo ichocho chemacourts.

Asi pamunenge muchitonga nyaya idzi tinoda yavanoti muchirungu intergrity, honesty, fairness, ne justice – ndozvatinoda kwamuri madzimambo, pasava ne corruption.

Pasava nefavouritsm ne nepotism kwete.

Tionda kuti kutonga kwamunenge muchiita kuve kutonga kwakanaka.

Maita chimwe chichemo chekuti dai kwavakwa maChief’s court.

Hongu pachiNdebele it’s easier, because its father to son, father to son. Tikavaka court kwa vaMaduna, the next Maduna Chief will be there, same court, vachishandisa court iyoyo.

Asi tikavaka kwavaMusarurwa next Chief vacho vanenge vava pamwe.

Mumwe musi havachakwanisi kuuya pane iyi.

Asi mukawana maitiro sekufunga kwangu, ngapawane Chief’s court iri permanent, hazvinei nekuti Chief aenda paimba ipi, anouya kuzotongera ipapo.

Kana mukawirirana naMinister wenyu, Minister wenyu again is responsible for public works and phsyical planning; mukawirirana then we can begin doing that for you.

Tine Bill, tinoda, we are pursuing and fostering in the nation peace runyararo, love kudanana nokuwirirana, unity kubatana.

Non-violence, munyika, runyararo nekusa kwikwidzana, kurwisana; so message yatinayo ndeye unity unity peace peace love love, non-violence.

Patinoenda kusarudzo hatidi kunzwa mhere mhere vanhu batanai, mukapesana mumatongerwo enyika, mumwe akaenda kurimwe bato raanofunga kuti ndorinomubatsira hazvifanirwi kuti nokuti munhu adaro morwisana, kwete.

Indangariro dzake bato rimwe nerimwe rinenge richitaura kuti dei tikatonga tichaita zvakati asi hakuna bato rine mazano angapfuura edu takabva kuhondo tichirwira kuti nyika isununguke.

Hakuna zve rimwe bato rakarwira kuti nyika isununguke kunze kwedu.

Saka tisu tine shungu nehudzamu hwekuda nyika nekuti ma comrades edu, madzikoma, vanasisi, vana baba ana mbuya nana sekuru vakaparara vakawanda kuti tisvike patiri ipapo nemusangano wedu iyoyo we Zanu-PF.

Saka tinohwisisa kuti isu tiripo pachinguva chino pahutungamiriri pawhatever level tinofanira kushanda kushandira vanhu, kushandira kusimudzira nyika yokwedu, kusimudzira matunhu ekwedu hatifaniri kuva nehumbimbindoga hakunazve rimwe sangano muno munyika ringati rakambozvipira kufa kuti nyika isununguke kuti vanhu vasungunuke kunze kweredu.

Saka asina matambudziko atakaona murwendo rwedu imomu arimo atinenge tichiti matambudziko iwayo ngaataurwe kana paine zvichemo.

Kana zviripo zvitaurwe pave ne justice, ne national healing and reconciliation throughout, we cannot progress when communities are in conflict.

We must identify the conflicts and resolve them and move forward and develop.

That is the aspiration of the new order yedu, yemunyika muno.

So, with that aspiration, yenyika ino, handifungi kuti pane vamwe vari pakati pedu madzimambo kana munyika vane shungu nokushuvira kuti macommunities ave in conflict kwete.

Ndofunga kuti umwe noumwe akakwana mumusoro anoda kuti vanhu vabatane anoda kuti tigare murunyararo anoda kuti tidevelope nyika yedu, anoda kuti tiwirirane.

Tingawana umwe ne umwe apo nepapo ane ndangariro dzisingawirirane nedzedu asi ndinevimbo yekuti ruzhinji munyika muno vane shungu dzokuti tishande pamwe chete; tisimudze nyika yedu takabatana tichiwirirana.

Only when the country is stable and peaceful can we develop, can we focus on development, can we make sure that the younger generation, our own children, can be supported to go to schools, to go to institutions, to go to universities, to go abroad and to bring back in Zimbabwe skills and technologies which are not available in the country.

That can only be achieved in a peaceful country and where there is dialogue, where we continuously dialogue among ourselves as we are doing now.

Zvichemo zvenyu ndezvei, zvii zvamuri kuona kuti Hurumende haisi kuita mopa zvichemo izvozvo kuti isu kuHurumende takatarisira kuti muite zvakati nezvakati, Hurumende yoti izvi tinozvigona izvi hatizvigoni pamusaka pokuti.

Iyo Hurumende yokwanisa kutaura kuti tine shungu dzekuti dai semadzimambo or sema communities maita the following imi motaura zvamunenge muchiona kuti aiwa, zvamunenge muchitaura tazvinzwa.

Right across the population of our country, tinofanira kuva ne dialogue iyoyo.

Dialogue with the students, dialogue with the churches, dialogue with war veterans, dialogue with farmers, dialogue with the workers, dialogue with everybody.

No one is not important, everybody is important.

All of us in our diverse positions and callings we have challenges and those challenges can be attended to as we can dialogue and talk to each other then we can move forward.

Takaita ma sanctions edu akatidzorera shure, asi iko zvino hatichafaniri kuramba tichichema nama sanctions nezvatinazvo tikabatana tinosimuka. Nyika yedu inosimuka matoona kuti tava ne solution in the area of agriculture and the area of food security, tava nema solutions in manufacturing, we must also have a solution in the area of beneficiation and value addition, we must have solutions in the types of skills that must be taught in our institutions.

Recently I had a meeting with the Vice Chancellors and the heads of institutions and we all agreed that the teaching, the content of teaching in our institutions should talk to what we must do, what industry needs, what the farmer needs what the communities need to grow and develop.

We cannot just have institutions which are academic and just continue being academic without addressing and looking at what are the needs of society. So we agreed with the Minister responsible for Higher Education that our curriculum should now be structured so as to talk to the needs of society so across the board, that’s what we must now endeavor to achieve.

That should not be the problem, hatidi kutendekana minwe kuti izvi ndezve Hurumende izvi ndezva madzishe, zvese ndezvedu pamwe chete.

Hapana madzimai anonzi aya ndoo vekubereka ve Hurumende ava ndeve kubereka madzishe ava ndeve kubereka ma farmer.

Ayihwa same mother anobereka mambo ndiye anobereka professor ndiye anobereka muporofita, same woman. So ndezvedu tose munyika medu.

Ndoziva kuti nguva yatifambira tigofamba kuchaka chena tichienda kumisha yedu naizvozvo ndoda kutenda the Ministry of Local Government, Public Works and National Housing yakwanisa kuronga izvi.

Handiti munoona imba yedu ino iyi yakavakwa ne Midlands Development Association, vakomana vedu veprovince yeku Midlands ndoovakavakisa chiro ichi, kuri kubatana.

Kana vanga vasingabatani dei chisina kumira chinhu ichi, chakamira nekuti vakomana nevasikana vakaita sei?

Vakabatana vakaronga nama company edu ari muno imwe company yaiunza ichi imwe yaiunza ichi tikavaka chimba chedu chino ichi chataitira musangano.

Chakanaka asi regai ndikuudzei akaita kuti tivake ichi – Bvisashangu simuka. Uyo Bvisashangu ndiye akanga ari Commissar saka Zanu-PF yaiita Annual National People’s Conference, pa Conference Shamhu ndobva ati Midlands ndoda muvake hall yekuti tozoita musangano ikoko yakanaka, muvhunzei kuti kwake ku Mashonaland West avaka here?

But wakaita hako vakabva vavaka, saka wakabatsira.

Thank you very much.

May God bless our country.

May God bless Zimbabwe.

I thank you.

 

Read Chief Charumbira’s speech at www.sundaymail.co.zw

 

Share This:

Survey


We value your opinion! Take a moment to complete our survey

This will close in 20 seconds