You made those babies, don’t blame your wife

11 May, 2014 - 00:05 0 Views

The Sunday Mail

Question
Makadini Mai Chisamba nedare reSunday Mail rinoremekedzwa. Ndiri murume ane makore 26. Ndakakasira kubva pamba pevabereki at the age of 18. Ipapo ndakasangana nemusikana uyo ava mai vevana vangu. Takavimbisana kuti taizoroorana ndave ne20 iye 21 nekuti mukuru kuneni negore asi iye akaita nhumbu akati imistake and I forgave her because taidanana zveshuwa. We then had to get married time yandanga ndakaronga isati yakwana. We agreed kuti asaite nhumbu till mwana wedu ave grade 1 in 2013 but she fall pregnant again in 2010 akati imistake futi and I forgave her again. Akaita nhumbu futi last year, so at the age of 26 ndave nevana 3 kuitawo here uku?
I don’t like her anymore. I love my kids but the problem is ndiri kuvapiwa time isati yakwana. Mukadzi uyu ndoramba ndinaye here? Ndikaramba ndinaye pandosvika 40 years ndinenge ndave nevana vangani?
Pafungei ipapo. Ndafunga kutsvaga mumwe akarongeka asingazvare zvisina plan. Hameno kana ndiri wrong.

Response
Kupomera mhosva kwauri kuita kumukadzi wako zviri kuita seanoita bonde ega. Nyaya iri kukugumbura ndeyekuti mai vari kuzvara vana zvisina plan asi hauna kundiudza kuti bonde renyu rinenge rine dziviriro (family planning) here kana kuti kwete. Wati mudzimai wako mukuru negore, izvi hazvinei nekudanana, rudo ndirwo runokosha, hazvina size, haisi bhutsu. Vana zvipo zvinobva kuna Musikavanhu, zvitendero zvakati kuti zvinodaira sekudaro.
Iyo nyaya yedziviriro yandiri kutaura iyi inouya nemhando dzakasiyana siyana. Apo neapo mai vanogona kubata pamuviri vasingazive. Wamboti haudi vana vakawanda, handiti ukatsvaga mumwe mukadzi anodawoka vake vana, izvi zvinowedzera nhamba zvekare. Go to any family planning clinic and ask for help.
Ndapota hangu Fed Up, wanano ndeye upenyu, usangoti ukatsamwa woti ndozvirega, pfavira ngoma husiku hurefu. Steady kani!

Share This: