‘President has the last word’

30 Jul, 2017 - 00:07 0 Views
‘President has the last word’ Amai Mugabe

The Sunday Mail

Below is First Lady Amai Grace Mugabe’s full remarks at the fifth Presidential Youth Interface Rally in Chinhoyi yesterday.

*****
Ndinoda kuti ndikukudzeyi, VaChipanga, nekuronga kwakadai muchibatsirana neprovince ino.

Haa, tamboenda hedu kumarallies, but this one. . .haa iri pamberi. Ini ndiri munhu anotaura zviri mumoyo make. I’m a very independent person. Dzimwe nguva, vamwe vanoti ndaudzwa or ndatumwa naVaMugabe. Kwete. I speak my mind. Saka, ndaona vanhu wakawanda kudai, handingade kusimuka ndichibata tsvimbo yeruza ndichinyepera vanhu.

Ndoda kutaurira vanhu chokwadi.

Ini, zvandimire pano, also ndichinzi Secretary for Women’s Affairs, I am also serving at the pleasure of the President.

Pamwewo ndiri mudzimai wavo.

Regai ndienderere mberi.

Ndiri kuda kutaura zvishoma-shoma kuti ndisapedze nguva, but pane zvidiki-diki zvandiri kuda kutaura. President makanditsvaga seshamwari yenyu muhupenyu. Kubasa mukatsvaga VaMphoko naVaMnangagwa seshamwari dzenyu.

Saka, isusu tiri vatatu; ini VaMphoko naVaMnangagwa, pabasa ratinoita pamusangano, tiri kuserver at the pleasure yenyu, imi President.

Nguva yega yega, kana tikaita zvinhu zvisina musoro, munogona kutibvisa pabasa anytime yamada. Asi ini chimwe chigaro chandinacho cheudzimai hwenyu chinonetsa kubvisa. Tinenge tavakutoenda kumacourt. Mukandiramba tinenge tavakutoenda kucourt ndakatsika madziro.

Let me tell you something.

It is not the number of years we have walked with this man that matters. What matters is what we do in his absence. Ini, VaMphoko naVaMnangangwa tiri vatatu, zvatinoita musipo ndozviri important. Muri kuzvinzwa zvandiri kutaura? Takapihwa mabasa ekuita. Tapihwa mabasa iwayo, we must just concentrate on mabasa iwayo. Tongoita mabasa edu tichiziva kuti takapihwa mabasa nemukuru togumira ipapo.

VaMphoko ava; munhu wandakaziva nguva (yakareba).

Hakuna musi wavasina kuuya kwandiri vasati vatombova Ambassador, ava VaMphoko; tichifarirana, tichitaura. We are great friends, zvakanyanyisa. VaMnangagwa ndakataura, hapana asingazive. Ava ishamwari yangu ava. Asi kana vakandirasawo nhasi handingaziva kuti tichiri pamwe chete here. Asi ndisahwira wangu. Chokwadi, zvechokwadi. Kufa kwakaita mudzimai wavo, vaiuya vachiti, “Amai, vana vari kuuya. Vave nevazukuru.” Vachituma vana kwandiri. Ndozvandinoda kuti zvirambe zvichiitika pakati penyu VaMnangagwa neni.

Ndiri kutaura izvi nekuda kwekuti pane zviitiko zviri kuitika muparty medu.

Pane imwe nguva yandakafonerwa; ini ndinoda kuita role yangu yehumai proper zvisina kutya kana kutyisidzirwa.

Pane nguva yandakafonerwa nevamwe vanhu gore rakapera, zvikanzi handeyi mustreet tinobvisa VaMnangagwa. VaMnangagwa ndikavaudza. Ndiri kunyepa here? Handisi kunyepa. Ndikavaudza VaMnangagwa kuti ndaudzwa kuti tiende mustreet tinokubvisai, but ini ndikaconfronta ivavo kuti imi muri kuti tiende mustreet tinobvisa VaMnangagwa, tisu here takava appointa pachinzvimbo ichocho?

Zviri kumaker sense?
Hatisisu takavaisa pachinzvimbo ichocho. Zvataakuita tikaenda mustreet, tinonoita ruzha, which means we are insulting the President because he is the appointing authority.

Ndikaramba.
Muri kuzvinzwisisa.

VaMnangagwa vakaappointwa naPresident to be the Vice-President saka inini kunyangwe ndiri mudzimai wavo, I have no mandate yekuti ndoungana nevanhu toenda mustreet kunovabvisa.

Hazviite. Hazviite. Kana isu tisingagutsikane nezviri kuitwa naVaMnangagwa, tinoenda kunaPresident tonoti President maelders, vanhu vakuru VaMnangagwa, vatadza zvakati zvakati. Toenda tonoudza baba. Ivo ndivo vodecider nekuti ndivo vakambo decider kuvapa chigaro.

Zvino zvakaitika ndezvekuti. . .Mahoka ari pano, muri kumuona Mahoka? Ndiri kutaura kuti mayouth mudzidze kuti basa rinoitwa sei mangwana. Mahoka naMai Sandi vakange vachiita tunhu twavo tusinakufadza maChairperson. Inini vaindidheerera nekuti inini I can give someone a long rope ndomutarisa.

Vaidheerera vachiita tunhu twavo ndichivaregerera, but maChairperson vakasvika pakuti ayewa, zvamuri kuitira Amai nezvamuri kuitira musangano hatizvide. Toda kumbokusendekai paside. Mukaona vanhu vakasimuka, vakamira vakademonstreta, vakati Mahoka naMai Sandi ngavaitwe set aside.

Vakabviswa pazvigaro zvavanga vainazvo kuWomen’s League chete. Mai Sandi vakasara varipo saMinister wekuBulawayo Metropolitan Province nekuti vaka appointwa nababa. Chigaro ichocho hatina kukwanisa kuvabvisa nekuti vaka appointwa nababa.

Muri kunyatsonzwa zvandiri kutaura?

Hatina kuvabvisa.

Izvi zvanga zviri zvinhu zvedu tega seWomen’s League. Ininiwo zvandiri, hapana angandibvise unless baba vati havachandida; handisi kuita zvinhu zvine musoro. Saka Mai Sandi chigaro chavo cheuko hatikwanise kuchibata nekuti vaka appointwa naPresident.

Asi kwedu pasi uko, kwedu seWomen’s League, tinokwanisa kubvisa vana vedu tichinotaurira vakuru vedu and even zvese zvaiitika izvozvi. Tichinotaurira vakuru vedu and even then zvaitika izvezvi, ndakaudza baba kuti ndozviri kuitika. Ndikaudza VaMphoko ndozviri kuitika. Ndikaenda kunaVice-President Mnangagwa ndikavaudza ndozviri kuitika.

Handaida kuti vazozvinwa kuti zvafamba zvakadai.

Ndaida kutanga ndavaudza, out of respect for you people. Saka zvandiri kuda kutaura mazvinzwa?

Zvaitwa zvaMahoka naSandi Moyo, ndakazoona vanhu vasimuka. Kuda vaifunga kuti nokuti President zvavabvumira Mai Mugabe kubvisa Mahoka naSandi Moyo, yava nguva manje yekushandisa kuvictimiser Kasukuwere.

Uri kuinzwa nyaya yacho?

Teerera.

Vanhu vagomobiliser, vagoenda kumaProvince.

“Hatichada Kasukuwere. Kasukuwere ari kuda kubvisa President nemunin’ina wake.” Vari three? Please, ngatitaurirane chokwadi. Inguva yekutaurirana chokwadi. Zvingaite izvozvo? Iko kamukomana ako, simuka iwe. Une zidumbu zvako. . . but aka?

Simuka, iwe, muri vairi imimi, mugodisposer mudhara imimi ane mhomho yese iyi? Garai pasi. Toda kutaurirana chokwadi. Chokwadi ngachichibuda izvozvi. Ndiri kutaura ndichidaro; Kasukuwere is a minister, a minister who was appointed by the President. Kasukuwere ari kuserver saCommissar aappointwa naPresident. Hapana ane right yekuti ndinobvisa Kasukuwere President vasina kuti chokwadi ndizvozvo.

Hapana.

Zvakaitika izvi; kana dai vanhu vainge vasingafare nezviri kuitwa naKasukuwere, vanhu vangadai vakati ngatinyorei pasi zvatisiri kufadzwa nezvinoitwa naKasukuwere, and we go to the President, tonoudza President kuti Kasukuwere ari kuita one, two, three; ivo vokuudzai zvekuita.

Ivo mbune!

Not kusimuka kuita zvinhu zvisina nebasa rese varume vakuru! Kumira pamamicrophone muchiita silly things. Stop it! No one is perfect. I am not saying kuti haatadze. Anozviziva uyu mukomana uyu kuti kana paine zvinhu zvaasiri kuita zvakanaka, ndinomuti you stop it!

Ndinomutaurira Kasukuwere. Asi kana tichibata-bata, mangwana Jonathan Moyo; mangwana Kasukuwere. . .ah! Please, regai vanhu vamboita basa. Kana vatadza, tovabvisa kuti vatadza basa. Kucreater macorruption cases against them. Nhema dzega dzega, nhema. It is too much. We have been quiet for a long time. This must stop. Aiwa ka, varume ka, kana musingawirirane, garai pasi mutaurirane; muite iron out maproblems enyu musati mabuda panze.

Makabuda nemaproblems panze saka tokudzidzisai panze vanhu vachinzwa.

Ehe. Charamba uri kupi. Charamba; George. George, iwewe, you are a prolific writer. You are an avid reader. I respect you for that. I respect you in your intellectual capacity. George ndakamuziva uyu, usati wambova necapacity yawanayo, ini ndisati ndaazvandiri, tichishanda tese.

But nhasi izuva rangu rekukuudza semwana wangu.

George is employed in the President’s Office, and as the Presidential Spokesperson, you research iwe for information. Iye zvino, tinongoona muHerald there are only specific people vanotaurwa zvakanaka nezvavo, vamwe vachisiiwa. Unoti tinenge tisingaone here mwanangu?

Tinenge tichiona. Don’t do that. We have travelled naGeorge kwese tichiti pamwe zviya zviya zvekuti pane situation yekuti taenda kumba kwemaAmbassador tiri kuda kuservwa zvekudya iwe unozviziva! George huya mwanangu; tosimuka toserver, tozvininipisa. George huya. . . Hapana mumwe muhu wandaikumbira, but ndaitryer kumusvitsa padhuze, but he did not reciprocate; iwe George. Hatidi kuti udaro. Wakamirira zvaPresident. You cannot separate the President and his wife. Hazvikwanisike.

Mhosva yangu George. . . George, iwe, pawakachata, ndakauya kumuchato wako nemudzimai wako wekutanga. Tikafara. George anozviziva ka, uyu, kuti haangandibvise pakati pemudzimai wake nevana vake. Anozviziva kuti kamwe kamwana kake ishamwari yangu.

Kana ndiri kunyepa iti Mai muri kunyepa. Gara zvako pasi. Aiwa ka, ngaamirire zviripo. Ini ndinoita basa everyday ndichiita basa. George uyu, ndiri mudzimai wababa vake ava; haambofi akauya kuzoonawo zvandiri kuita kuMazowe. Kunze kwekuti uite saizvozvo, basa ndere kunyora zvisina nebasa rese.

Zvisiri zvedevelopment.

Anozviziva uyu kuti ndiri kuita basa guru guru, but haana basa naro. George iwe uri pasi pemaminister; hauna right iwe yekutukana nemaminister. Hauna right. Kana minister anetsa, baba varipo. Unovaudza kuti baba, minister nhingi nanhingi vari kundidai. Ivo vonotswinya nzeve. Vobvonya, zvopera.

Ndiri mai, ndinotsiura, asi chimwe chinhu chandinoita; I don’t (hold) grudges. Ndatotaura zvatopera. Bvunzai vanonyatsondiziva. Nyaya yandakataura musi weThursday kuHarare; ndakati ini nyaya yefactionalism yanetsa, yanyanya kunetsa. Vanhu vakungoona baba nekuti vakura vakati tanonokerwa.

Baba ava ka, ava, isu hatimbofa takasvika palevel ravo rekugona kutaura nekuita basa. Hatigoni. Nyama, yes, zvingaramba, vakafamba zvishoma, but simba rekuramba vachiita basa vanaro. Vanaro. Handiti vari kuuya papodium kuzotaura. Ndoda kuti munzwe mumwe angataura sezvavanoita undiratidze.

And prove me wrong.

Vachauya kuzotaura.

Muchaona kuti chii chandiri kutaura.

Nyaya iripo yandakataura ndeye kuti, ini constitution ndinoinzwisisa zvakanyanya and ndinonzi Dr Grace Mugabe. Ndakadzidza ini. Ndakadzidza; whether ukaramba, ukabvuma. Ramba chete upererwe. Chiripo ndechekuti President Mugabe ndivoPresident vatakasarudza.

Ndinozviziva kuti kuchasvika imwe elective congress yatinoita kunosarudzwa maleaders. Ndinozviziva. Hakusi kuti handizvizivi, but what I was saying ndezvekuti that process yekuti President vakati havachadi, vaakuda kuzorora chitsvagai mumwe, he will certainly be part of that process usingadi uchida. Hazvingaite kuti vangangogara vakadai kuti imi sarudzai wamunoda inini handizi part of it because ndiyo democracy.

He is a member of the party, and above all, he is our President akasarudzwa nevanhu to lead us, and he has to lead us in that process. Muchatitungamira, President, nguva kana yakwana kuti chitsvagai mumwe. Muchititungamira imi. Kana uchizviramba paugere ipapo, ramba asi ndiri kutokutaurira.

Wanzwa Kudzi achitaura apa; ati zvinhu zvese zvinotanga naAmai. Mark my words. Mark my step. Zvese zvinotanga naAmai. Whether you want to twist zvinhu zvacho; zvese zvinotanga naAmai. Munhu wese kunaAmai. Kana wada kusara kwauri uri wega zvava zvako.

Imi munofunga muchiti imimi, shuwa shuwa, baba vagoti handichadi? Vongotisiira chaos. Basa rese ravakaita. All the sacrifice, vachiziva kuti iwe Mai Mugabe haugoni kuendesa nyika mberi, vongonditi tsvee mudonzvo. Nhema chaiyo. Inhema chaiyo. President vachange vainesu. Nguva yavanenge vaakuda kuzorora vachave nesu pakusarudza munhu iyeye.

Saka, ndakati kana nguva yenyu yakwana, motiudza bhiza, isu tomhanya nebhiza iroro.

Hapana chakamboipa apa. Ungandituke, ungandifarira, ungandisekerera, ungandishora, asi ndonyaya yacho yekuti kana nguva yakwana, hakuna munhu achatora chigaro after him without his blessing; period. Chokwadi chakangonaka. Hapana chakaipa. Without his blessing, haunganzi President of this country.

Inini ndine zvakawanda zvekutaura, asi ndakuda kugumira panapa; tozosangana futi pandima inotevera. Watch this space. Ndinoda kutenda nemukana wamandipa wokutaura. Ndinoti Mwari akuitirei zvakanaka. Ngatiitei shun factionalism. Ngatibatanei kana tichida mukuru wedu zveshuwa. Ngatiitei kuti mukuru wedu kana aakuda kuzorora ati, “Aiwa, kana ndikagara zvangu paside, vana vakaenderera mberi nebasa, nyika inenge yakabatana.”

Ndoshuviro yavo. Ndoshuviro yangu. Saka, ini ndinoda kukutendai nekuungana kwamaita. Mwari akuitirei zvakanaka. Pasi nefactionalism.

Share This:

Survey


We value your opinion! Take a moment to complete our survey

This will close in 20 seconds