Chiefs welcome new leadership

14 Jan, 2018 - 00:01 0 Views
Chiefs welcome new leadership President Emmerson Mnangagwa (left) chats with President of the National Council of Zimbabwe Chiefs, Fortune Charumbira, during a meeting with chiefs in Gweru yesterday- Picture by Justin Mutenda

The Sunday Mail

The following are excerpts of Zimbabwe Chiefs’ Council president Chief Fortune Charumbira’s address at President Emmerson Mnangagwa’s meeting with chiefs in Gweru yesterday.

Tinotenda nemukana uno uyu, President. Sezvataurwa, makatikoka sekutaura kwenyu. Hamuna kuti dana. Makatikoka samadzimambo kumusangano wekutanga mava President; musangano wanhasi.

Ndinoda kuti tinotenda zvikuru (kune) vakafunga nyaya iyi; kuti mapuhwa chigaro chekutungamira nyika ino iyi, maona kuti zvakakosha, zviri mutsika mekutongwa kwenyika ino iyi, kuti mumbosumiwa, mumbosvika pakati momboti ndini uya ndauya kuzokuonayi mobva moti pamusoroyi madzimambo ndauyawo.

Chinhu chikuru panyika ino iyi.

Madzimambo, nyaya iyi ngatinyatsoiziva zvakanaka kuti takudziwa naPresident.

Vati ndati ndotanga namadzimambo, ndovaridzi venyika.

Saka toda kutenda kuti takudziwa isu, madzimambo.

Vati rega ndimbotanga nekusangana namadzimambo; ndozoenda kune vamwe vose ndambosangana namadzimambo.

Ichokwadi matikoshesa, President, muchaona kana muzvichemo zvedu.

Madzimambo anongopanga kuudziwa nekukosheswa topanga kuti tiwanewo vanotikudza nekuti tagara tiri vakuru.

Asi hatinyatsokukudzwa zvakanaka.

Saka zvamaita izvi ichapter; ndoo legacy.

Operation Restore Legacy kana yadai, aah, maaku restowa nekudzorera hunhu hwedu nekukosha kwemadzimambo. Ndoimwe yapinda palegacy kana zvakadaro.

Toda kuzvikoshesa izvozvo.

Takabva kune imwe conference yakadai yanga yakakura hayo, asi pahuwandu hwemadzimambo ndizvozvo. Ndivo vose vakauya.

Tava mune imwe, asi ndofunga nekuona kwedu takataura paconference iyoyo kuti tisati taenda kuelection gore rinouya, tikuda imwe conference.

Takangozvitaura asi izvo ndiyo nguva ino iyi yauya nemutowo uyu.

Ndoda kuti nditaure kuti tiri vanaani.

Tiri madzimambo amunoziva; akanyanya kuzotorerwa simba kunyanya after 1896 paita hondo marudzi ose emuno munyika vachiita iyo Ndebele-Shona Uprising tichiramba kutongwa navarungu, navapambepfumi.

Hondo iyoyo yakazokonzera kuti pa1898 kuitwe mitemo yakawanda-wanda yainzi maNative Regulations.

Akabva abuda pachena kuti musarega mambo. . . never let traditional leaders vave vanhu vanonzi navanhu vatema ndovari pamberi pedu.

Nekuti vanhu ava ndivo vanga vakonzera hondo ya1896. Torai masimba avo; vabvisei chimiro chavo.

Kubva musi iwoyo, pakaita kusafamba zvakanaka pahutongi hwedu hwamadzimambo tikapinda matinonoti mucolonialism. Takazorwa hondo yekuzvigadzirisa.

Saka paIndependence, President, munorangarira kuti after Independence paingonzi we are restoring the powers of traditional leaders.

Restoration iyi tingangoitaura kuti yakafamba, iri kufamba; haisati yasvikawo kose kose asi yakangoti fambei kune zvimwe. Mukufamba ikoko, tinoona nhasi zvataita izvi as part of that restoration and yazouya nebasa rakaitwa nemaDefence Forces edu.

President, vaMnangangwa, vatiinavo nhasi, vanoziva kuti takashanda navo. Isu samadzimambo tafamba navo zvisingazivikanwe nevanhu vakawanda.

Vamwe vaiti madzimambo mabva kuconference kuBulawayo, makatizve totsigira musangano muna 2018.

Isu mashandiro edu toshanda nehurumende nemusangano unenge uchitonga; icho ichokwadi woti mazvitaurirei izvozvo?

Zvonetsa kuti zvisataurwa?

Hazvigoni kusataurwa nekuti kusataurwa ndochokwadi. Ndikarega kuzvitaura, ndinenge ndichikureverayi nhema.

Zanu-PF ikange yati takupayi uyu ndiye mutungamiri.

Saka vanobvunza kuti ah, kogore rapera maive navaMugabe kuconference. Bodo! Ndiye watanga tapihwa neZanu-PF. Kana yanga yaresva, imhosva yayo. Ndiyo yanga yatipa.

Kana yaresva, imhaka yayo nokuti ndivo vanga vati maprovince, ndoziva vaimanikidzwa vaitaura zvavanga vasingatendi, vakangosangana mumaprovince wonzwa voti “ndosapota, ndosapota”.

Taizviona zvedu kuti kungotaura uku asi madzimambo haangasumuke oti mareva nhema; hazvisi rizvo. Haingaite nyika kwayo.

Asi ndoda kukuudzayi kuti chokwadi kunyangwe pavaisarudza gore rapera, conversation dzedu taiti navaChief Khumalo avo vandinonyanya kufamba navo ivavo taingobvunza kuti “asi party iyi iri serious here?”

Taibvunza chaizvo pachedu kana tiri tega; taibvunzana kuti party iyi iri serious here iyi?

2018 tinoenda takadayi here?

Taitaura pachedu hedu asi taiti hatingaende tonoputsa musangano tirisu – rega vaputse voga. Nhasi tiri pano. Tinokutendayi, tinokutendayi vanhu veZimbabwe. Tinokutendayi maDefence Forces. Tinokutendayi vaChiwenga mavaVice-President nhasi; ndinoda kukutendayi zvikuru-kuru nebasa rakafamba.

Ndoda kukoshesa kuti vaChiwenga nemadzimambo. . . vazvinji vangaona sekuti tazongoti paoperation apo. Mauto akatungamira neDefence Forces navaChiwenga – vamwe hamungazvizivi – taishanda navo zvikuru vari muuniform imo muya.

Muoffice mavo totokuudzayi mavanga vari muya kuti makaita sei. Chiri mumadziro ndechipi.

Taigara tichisangana, tichipanana mazano navava.

Tine yavanga vakaronga inonzi “Traditional Leaders Day” mumaprovinces panosangana masoldier nemadzimambo muprovince mega mega.

Zvakarongwa navo; kuvaka hukama hwakasimba.

Kana pavanga voenda mustreet, vaiziva kuti madzimambo ndonumber one kuti sapota.

Ende zvakabuda pachena kuti madzimambo ndivo vanga vari number one kuvasapota and hapana kana mambo wakasara ku demo iya yakaitwa kuHighfield.

Hapana kana mambo akasara.

The whole country came to Highfield nokuda kokuti wanga waenda kumberi nebasa iri Chiwenga. Taatichishanda naye. Ndoumwe wedu.

Vanhu vanga vasingazive kuti ndoumwe wedu.

Isusu taishanda navo pavakapinda mumastreets paya. Taiva nemageneral aitaura nesu nhume dzavaituma ivo vari ikoko kucontrol room.

Ava kubva zvavakaenda kustreet, ava ndovaitumwa kwatiri: “Endai kunoti madzimambo tave pakati.”

Regayi nditaure ndakasununguka zvobetsera kuti vanhu vazive kuti vari kuita makuhwa asiriwo, vari kuita makuhwa asiriwo vachiuraya nyika.

Taiva tese vachituma. Mambo tadai. Pamwe imwe ifoni, pamwe vakati vanhu ngavauye vose. Madzimambo tainda. Taronga tikati navaRugeje ava, vachiri muuniform, tikati vanhu huyai kuHarare mose titsigire chinhu ichi.

Nhasi tinoti makorokoto nezvakafamba.

Madzimambo taivamo murevolution asi kuti hatina matank. Vaive nematank ndovaigona kuuya nawo tichitsigira zvedu basa ramakaita.

Kubva ipapo kusvika nhasi, chero chakaitika, hakuna chimwe chatisina kuvatsigira. Asi ndiri kuda kutenda mauto, maDefence Forces; rambayi makamira nesu.

VaChiwenga vakasiya ikoko. Vave kumwe, asi ndomukuru wenyika futi. Saka vanenge vachibetsera.

Ndiri kuti mauto nesu toshanda tese. Kana kumadzimambo kwafiwa, CDF, vachiri CDF, ava pane pamwe pataiti mambo washaika hakuna chakati, taipiwa.

Chief Nkalakatha of Nkayi, for example; vakati munhu wafira kuBulawayo Hospital, asi zvinonzi mambo haana funeral policy.

No, torai body. Ngavaende kuDoves.

Tikapihwa helicopter tikaflyer navave izvezvi CDF, vaSibanda, from Harare tichienda kuNkayi tichinochengeta mambo tichitsigirwa navaChiwenga.

Saka ndiri kuda kungokuudzayi kuti hukama wacho hausi wekunzi vangoriwo Vice-President. Tinovatsigira chaizvo. Vanga vachititsigirawo chaizvo.

Ndichakupayi zvakawanda zvavakaita vachitsigira madzimambo.

VaMohadi, ini ndobva kuMasvingo. Ndicharangarira ini ndakatombokuvhoterayi kuMasvingo kuti muite Vice-President tikarohwa neimwe shamu huru tazviita izvozvo.

Takaparadziwa tazviita izvozvo.

Neni ndakaparadziwa neumwe mutowo zvikanzi uri member; ndandiri kuCentral Committee kuZanu PF mazuva iwawo; ndaronga kuMasvingo uko.

Ndaita zvouya kumberi naanaMai Muchinguri ava. Tanga tavaisa kumusoro futi; zvangozobuda nhasi. Saka vaMohadi, kuita Vice-President hachisi chinhu changonyuka nhasi. Takakara tazviona kuti ndozvazviri.

Ndinoinda kunaivo vava President, vaimbova Minister Mnangagwa; secretary for legal affairs kuparty.

VaMnangagwa namadzimambo pachokwadi kubva kare, isu samadzimambo tatisina mukana, tatisina dare naHis Excellency vachiripo vaMugabe. Ndochokwadi. Asi nyika ndoyaiti ndimi motoona President. Munhu wataitoshanda naye pazvichemo zvose ndivo vaMnangagwa vachiri minister.

Vakanzi vave mune chimwe chiministry chakadero-dero, taingovatevera ikoko. Chero zvanetsa kumadzimambo tichida kuti zvinzwikwe kumusoro, taiyenda kwavari. Saka yagara iri shamwari. Ihama inoziva kuti kune chinonzi humambo munyika munomu.

Kuda vacharangarira, President, kuti ndimi makaita kuite two Senators per province muParliament nokuti pakachinjwa Constitution 1987, Senate ndokunzi hakusisina, madzimambo akabva angova muLower House.

Panga pane chamber imwe tine madzishe 10 muParliament – one per province, eight plus president nadeputy; ndobva zvanzi 10.

(Gore ra)2006 panzi podzoka Senate, takataura navaMnangagwa, tokumbirawo. Ko zvayati kureyi Senate; nesuwo kudzayi number yemadzimambo muSenate.

Vakauya kuParliament, Constitution ndobva yaamendwa. Tava vaviri per province muSenate.

Nhasi tava 18; taimbova 10.

That number kuti ikwire, we can only attribute it to your love. Haisiyo yoga. Tikada kulister zvinhu kune imwe inogozha.

Musi uno, takanetsana neLand Commission Bill.

Yaka dhivaidha muParliament kuSenate tikati hatinovona Vice-President. Tikaenda kwavari zvikafamba. Vakatitsigira, asi. . . nyaya yacho inongonesta nanhasi. Makatitsigira paya muchiri Vice-President zvikafamba. Tinovimba kuti paCommission yeland, hapangashaikwi mambo.

Hapanga shaikwi mambo kuti nyaya yevhu itongwe munyika muno. Pasina mambo, hapangabudi zvakanaka.

Kune vanokakavadza varimo muZanu-PF panyaya iyoyi, asi tongoti vachatihwisisa as we go.

Nokuti pane mapoints anenge asingaonekwi anoita kuti vapikise, ndofunga. Saka ndinovimba kuti support yenyu yamagara muchingotipa icharamba yakadaro.

Ndapa background kubva kuna vaMohadi, vaChiwenga naivo President kuti mauya mapihwa pachigaro ichi isu tichinamatavo kuti mupinde.

Tangohwa kuti mapinda taito zvifarira chaizvo kuti dei zvaitika.

Ndofunga nyaya yekuti tiri live paTV, but TV ndeyekuti vanhu vahwe protocol. Unoona, nyaya yokuti vamwe hamuna kuzviona, nyaya yokuti vaMnangagwa vachaita President vamwe takazviziva kare.

Nyaya yekuti vaChiwenga vachaita Vice-President; vamwe takazviziva kare kuti Chiwenga iZim 2. Izvo zvaizikanwa izvozvo vaMnangagwa vari Zim 1.

Asi kuti rini, how, ndozvanga zvakangosarawo izvozvo.

Tanga takazviona kuti zvichaitika rimwe gore.

Ndati vaMohadi tanga tatombovashunarudza kureva kuti varipo ava zvabva kudenga nepasi zvagara zvakadhindiwa. Saka, tongayi zvakanaka.

Ndofunga chinhu chikuru nhasi, President, ndechekuti madzimambo tasumiwa kuti ndohutungamiriri hwavapo. Ndivo President vedu nemaVice maviri.

Takasangana namadzimambo.

Madeko taiva neveChiefs Council. Ndoda kuti zvizivikamwe kuti takasangana tikati nhasi tichada kuti. . . painauguration takavapo.

Asi nhasi tiri kuda kuti takugamuchirayi, President neteam yenyu, takugamuchirayi samadzimambo.

Madzimambo agamuchira basa rose rakafamba kusvika maappointa maVice-Presidents enyu. Saka shandayi muchiziva kuti takamira pano takamirira Sabhuku woga woga, every corner of this country.

Muri kutsigigwa. Magamuchigwa nevari Binga nevari Chimanimani; vari kuMwenezi, vari kuPlumtree, Tsholotsho, Masvingo. Varidzi venyika vakugamuchirayi.

Zvakakosha izvozvo.

Manga makagamuchigwa nemutowo wechirungu wakanakawo se a constitutional democracy tichitaura. Isu, constitution dzedu dziri muvhu.

Saka constitution dzemuvhu dzakugamuchirayi.

Yemuvhu haifi; yemuvhu haina makore, haina five years. Inongoti tavagamuchira. Fambayi nenyika. Fambayi makasununguka.

VaMohadi, muchibatsira vaChiwenga, muchibatsirana naivo ED vari mberi.

Tinoda kuti zvizivikanwe kuti madzimambo agamuchira.

Pane zvinoitiwa neconstitution yemuvhu. Pane zvirimo muconstitution iyoyo zvinoti kana magamuchira mutungamiriri, munoita zvakati nezvakati.

Zvimwe zvacho hazviitwi pamberi peTV zvinova zvizhinji zvacho. Kune zvichatevera. Kune zvichaitiwa. Tagamuchira kudayi, panoda tsvimbo, kwete yemu gumtree.

Kune miti inotendegwa kuti mupuhwe. Muti unovezewa watinenge tatendera kuti vezayi muti uyu. Kunewo pfumo nekuti kana tati fambayi nenyika neuta, kudhifendhawo futi nyika.

Zviriko zvimwe. Hazvitauriki. Zvinotaurika ndizvo zvandataura.

Dehwe reshumba nemusoro waro richabva kuinstitution yemadzimambo.

Dehwe rembada richauya, nyanga yezhou, eh ndombogumira ipapo. Asi list ichiri kuenderera mberi yezvinhu zvinofanira kuti zviitiwe zvigadziriswe zvakanaka.

Saka zvataugwa, zvagamuchigwa namadzimambo kuti tiite saizvozvo. Office yamapinda ndeye kushanda nesu, madzimambo. Matisimudzira mauya.

Handichapi zvichemo ndirini zvose. Eh, pane bepa ranyogwa remaprovince ramunaro. Province-by-province, vataura nhuna dzavo kuti zvinhu deyi zvadayi.

Zvose muchazviwana imomo. Inini ndobata zvishoma mozongoshandura kamwe. Handinawo list iyoyo. Zvangu zvasiyana. Zvozongotsigira.

Ndofunga tine zvandakapfeka izvi. Gemenzi rangu iri, gemenzi roumambo, eh tichada kugara pasi. Pazvichemo zvose zvatichakupayi, President, zvose hakuna magic ingahi mapuhwa ibvayi matozviziva. Asi inongova nzwisa kuti pamuchashanda. . . inzwisa yekuti muone kwakanange madzimambo.

Kuti patava kuita basa renew era, hatidi kuti madzimambo tisare munew era.

Tinoda kuyenda nemi; musatisiya, tishande tose titsigire new era kuti nyika ifambe. Asi munew era imomo, tichasangana nenyaya dzehunhu, tsika, magariro munyika anoreva kuti taapapi.

Nyaya dzecorruption. Kana toinda kuminda, muchaona idzedzi kumaprovince ose. Paland, pane nyaya dzapo. Vamwe vachiti hatina kupuhwa land nanhasi.

Maboundary nanhasi ari kungoramba vanhu vachinetsana. Makanzuru anga achingonetsana kuti mukuru ndiyani? Mambo anopinda nemukanzuru.

Nyaya yemaresettlement. . . apa kune nyaya.

Kuma resettlement kune nyaya.

Ndafara Deputy Minister vaMarapira vari pano.

VaMarapira, tinokumbira kuti timbotarisana neministry yenyu imi vakuru vacho, timbotaura nyaya iyi yeminda nenyaya yema resettlement areas nokuti pamutemo, toziva kuti Act ine section inomirira nyaya iyoyo idzi, inoti gadzayi madzimambo nemasabhuku kuma resettlement.

It’s in the law.

Saka, nemadzimambo, tinawo muno.

Ndofunga they are now more than 10 vakagadzwa kuma resettlement area.

Munyaya yeenvironment, President, tinomira-mira. Nyaya yemhuka, tichasangana nayo futi; nyaya yeclimate change.

Nenyaya yezviwanikwa munzvimbo; vana granite.

KuJustice totonga mhosva. Kune nyaya nemadzimambo.

Tinotenda zvikuru nezuva ranhasi.

Ndatenda.

Ends

Share This: