‘Zanu-PF has one centre of power’

05 Nov, 2017 - 00:11 0 Views
‘Zanu-PF has one centre of power’ Zanu PF Secretary for the Women's League Amai Grace Mugabe

The Sunday Mail

First Lady Amai Grace Mugabe’s address at the Presidential Youth Interface in Bulawayo yesterday.

(Salutations)

Ndinonyanya kutenda VaChipanga nekuronga kwamakaita. Ndaona futi zvakakodzera kuti nditende VaMandiwanzira nemacommunity information centres amuri kuita anobatsira, and makaona zvakakodzera zvinoita resonate well neprogramme ino nekuti ndeye mayouth.

And mayouth also ndivo vanoda kuitwa empower neinformation.

Saka tinokutendai nekuita revamp mapost office anga achiita lie idle. Thank you very much, Cde Mandiwanzira, nePotraz. Murambe makadaro, mapost office akawanda through out the country asiri kushandiswa. Nekuda kwetechnology, vanhu havachanyanyi kunyora tsamba sezvanga zvichitaurwa naPresident.

Saka izvozvo zvinoita kuti vana vadzidze kushandisa internet vachiwana information yavanoda nekudzidza zvakawanda. VaChipanga, ndinokutendai, yaa ninth province ino iyi muchidedza President kuti vasangane nevanhu.

Muchitaridza munhu wese throughout the country kuti kune one centre of power. Ndinokutendai samai venyu neprogramme yamuri kuita yakanaka.

Kuno uku ndambonzwa kuti kwanga kuine vanhu vanga vachirambidza vanhu kuuya. Pasi nemi vari kudaro izvozvo. Hazvina kunaka nekuti President vanoda kuuya kuzosangana nemhuri yavo. Vamwe vanhu vari kushanda vachishandira musangano wedu kuti uenderere mberi tionekwe kuti tinoda vanhu.

Hatizi vanhu vanozouya kana yava election time.

Tinoda kugara tiine vanhu tichivataurira kuti sei zvatakambo promisa vanhu takazviita kana kuti sei tisina kuzviita. Saka baba ndosaka vachiuya kwamuri kuzotaura nemi kuti muone kuti ayewa, tinodiwa, tine mutungamiriri anotirangarira nguva yese. Kuno kuBulawayo ndinoda kukutendai.

Ndinoona kuti kuno uku vanhu makabatana. Rambai makadaro muchishanda pamwe chete. Tiri kuzviziva kune matambudziko akawanda ambotaurwa naMinister of State vachitaura kuti mafactories akavharwa, hakusi kuitwa manufacturing inofanira kuitwa.

Ndinodaira kuti semusangano, ndozvatingadai tichitarisa pane kuti tirwisane zvatiri kuita, tichiita nyaya dzefactionalism. Ndinoona kuti tikatarisa izvozvo kuti vanhu vawane mabasa, mayouths hongu tiri kuita mainterface, but at the end of the day, vanoda kuenda kumba kunodya.

Mayouths aya haasi mayouth ekuti vana, mayouth vane mhuri vanoda kunochengeta mhuri dzavo. Saka ini ndinoti focus inofanira kunge iri pakugadzirira vana hupenyu hunoenda mberi, zvinhu zvine future. Mukaona pakati pedu maleader tichiuya tichikutaurirai zvisina kutaurwa naPresident, musazviteerere.

Kuno uku kuBulawayo, pane nguva, nokuti ndapihwa time shoma shoma, ndatarisa paprogramme panga pakapihwa 20 minutes, but ndogona zvangu kuenderera mberi. Pane… okay, ndoda kutaura, nditange nenyaya yaJonathan Moyo. Munomuda here Jonathan?

Ko akaipei?

Hapana chaakaipa! Ehe munhu anofanira kuzvimiririrawo. Zvinoitika ndezvekuti vaJonathan Moyo vakanzi vane mhosva. Ndoda kuti ndinyatsokuudzai clearly. Zvikanzi vane mhosva, President vakati okay, anzi ane mhosva, ndoda kuseta a committee to investigate mhosva dzake.

Committee yakaenda ikanotarisa, vakauya nemafindings avo vakapira. Instruction was given by the President kuti okay, kana imimi muri kuti Cde Jonathan Moyo, some of the money makaishandisa zvakati zvakati, vaChombo can you write a letter to Zacc. Handisi kunyepa.

Anonditi ndiri kunyepa ngaauye anditi muri kunyepa amai. . . Nyorai tsamba kuZacc kuti muvaudze kuti ayewa, we are satisfied kuti mari yakashandiswei. Cde Chombo vakanyora tsamba yacho iyoyo. Zvino ini chandisinganzwisisewo ndechekuti Cde Moyo ava vakamboti shandei naVice-President Mnangagwa, muri kuzvinzwa?

Vachiita zvinhu zvekuda kuronga party. Vakamboronga party yavo vari vese inonzi United People’s Movement against the President. Saka munhu ari loyal kunaPresident ari Minister, vanga vari Minister nguva iyoyo, uri kuti uri loyal but on the other hand, uri kuita party.

Zvinoreva chii izvozvo? Ndiyo loyalty here iyoyo? Saka Jonathan anotaura. Ndozvaanotaura, zvimwe zvezvimwe zvinhu zvinoitwa naVice-President. Hativavenge. Ndakataura kuti hativavenge asi tinotsiura munhu anoita zvinhu zvisina gwara reparty chete.

Saka akataura zvimwe zvakawanda-wanda. Handizvitaure zvimwe zvacho. But zvekuba mari yeparty vachisevenzesa mari iyoyo vachidya. Saka ndofunga ivo zvakavagumbura.

Pandiri kuda kusvika ini ndepekuti, President vaita instruct kuti tsamba inyorwe, iende kuZacc zvichitaurwa kuti mari yakashandiswa sei imwe yacho, nguva yese patinobuda. . .ndofunga Jonathan mhosva yake ndeyekuti unotaurirei zvandinoita? Handitaurwe ini, ndiri Vice-President.

Nguva yese yatinobuda anenge achida kusungiswa nemapurisa. Hatidi izvozvo. Kana Jonathan aine mhosva, ngadziende kumatare. Hatidi munhu anoshandisa simba. Ini ndiri First Lady, but I don’t want to abuse this position kudzvanyirira vamwe. Hameno, nyangwe mukasada kuzvinzwa ndezvenyu, asi ndiri kukuudzai zviripo. The only man who is ruling this country is President Mugabe, period!

Hatidi zvefactionalism. Kana, hatizvide!

Jonathan was appointed by the President, and you must know that.

Kana mapihwa mari kuti mundiite boo, boo but I will say it!

Handina basa nazvo izvozvo.

I am the First Lady and I will stand for the truth.

Yes. Inini regai ndimbokutaurirai. Hunzai pfuti nemasoja mundipfure and I will say the same things. Handimbofa ndakazviregera kuzvitaura.

Hatidi kuti party ivhiringidzwe. Hatidi. Izvozvi kuno uku kuri kuitwa zvinhu zvefactionalism. Pasi nevanhu vari kuita izvozvo. Pasi navo! Yes, we are going kuCongress, and the person watinomira naye isusu kuti ndiye leader weZanu-PF is President Mugabe, my husband.

Ndonyaya itoripo iyoyo.

Chimwe chinhu, hatidi kuita zvinhu zvakadaro. Izvozvo munenge matumwa kuti Mai Mugabe kana vaakutaura, you boo her. Boo, do it. I don’t care. Ndine simba. Ndinozvimiririra. Ndiri nhengo yakakwana inozvimiririra.

Chinoitika panapa, let me tell you this, let me tell you kuno uku.

Throughout the country, kwakaitwa mademonstrations kuti izvo Kasukuwere ngaabve. Kasukuwere ngaabve. President zvakare vakaita constitute a committee kuti vaone kuti zviri kutaurwa kunzi Kasuwere ari kuita ndizvo here. Kwakauya mareports, ma reports acho ari silly. Hapana chakamboitwa naKasukuwere.

Kasukuwere anoshandira musangano.

Chinongonetsa also ndechekuti Kasukuwere anoti kuna Vice-President Mnangagwa pasi nefactionalism chete. Ndopano divider party, period. Zvino divider party zviya zvekusweroti kuMash Central, hanzi kuMash Central ndikati inini hapana nyaya iyoyo inonzi izvo Kasukuwere aripo nemunin’ina wake nemukoma wake vari muparty.

Inini kana vana vangu vachida kupinda muparty vese, hapana anovarambidza nokuti inyika yavo. Hapana munhu anorambidzwa. Inga ndakataura wani kuti ivo Vice-President Mnangagwa vakasiira mukadzi wavo constituency, a precedent was set.

Ko iniwo nhasi ndikati President ndisiireiwo chigaro? Precedent yakasetwa kudhara. Ini handitauri ndichiviga mupinyi, ndinotaura zvandinoona. Inini ndiri muparty nababa. Ivo vari muparty nemudzimai wavo, but hatidi kutaura; iwewe zvauri kuita haudi kuti vamwe vazviite. Hatidi.

That must stop.

You stop it!

Hapana mhosva yakamboonekwa ina Kasukuwere. Ndakati Kasukuwere is here to stay kuita basa raakapihwa naMugabe chete chete. Hapana umwe angamupa basa iroro. President is the appointing authority, ndozvamunofanira kuziva izvozvo. Havabviswe nekuti haasi kuda kuita zvauri kuda iwewe. Kwete. Saka, tinoda kuti tishande zvakanaka. Hatidi kuti tingoramba tichirova imbwa takaviga mupinyi.

Iye zvino vana vari kudzingwa muparty vachidzingirwa factionalism inotungamirwa navaMnangagwa. You stop it! Hatidi izvozvo ndakapenga uko ndikati inini vana vari kudzingwa vachidzingwa everyday imi makangoti vavava, vana vachidzingwa. We have had Vice-Presidents before.

We worked with them zvakanaka. Kuno vaNkomo vaibva kuno uku. Hatina problem. Kana nanhasi, I talk to the children. Tinowirirana nekuti Vice-President Nkomo vaiziva kuti President ndivo President vedu, Mugabe.

VaJohn Nkomo, the same thing, VaMsika the same thing.

We never had a problem navaMuzenda, but kungouya kwaita vanhu vaviri ava, manyongori ega ega. Not kubva kuna vaMpoko, but kubva kuna VaMnangagwa, kudivider party.

We don’t want that.

It must stop.

Hatizvide izvozvo. Hakuna nyaya yakaita fanika iyoyo. Mutungamiri anobva kuvanhu. President Mugabe vaka suppotwa vakavhoterwa nevanhu, and musafambe muchinyeperwa kuti zvakanzi naPresident ndichakusira chigaro. Hakuna pakambotaurwa izvozvo.

President is there. Takanovhota X tichivhotera munhu mumwe chete. Ndakati President kana ivo vakunzwa ivo kuti handichagona nguva yakwana, vachatitaurira kuti chitsvagai mumwe leader.

Hazvi foswe on people.

Handivenge munhu, but ndiri kuda kutaura zvinoitika. Iye zvino vana vari kupera kudzingwa vanaDavis Muhambi kuno uku vakudzingwa nekuti maka visitirwa mafactory enyu navaMnangagwa mukasiya maudzwa zvamakaudzwa. Davis, the President is still there as the President.

Usanyeperwe.

Kana uchida, itokumbira ruregerero izvozvi utaure zvawakaitwa uzive kuti President ndiye mutungamira wenyika ino, ndiye mutungamiri weparty yedu. Hatidi kurova imbwa takaviga mupinyi because inini naChipanga tino leader two maimportant wings emusangano – Youth League neWomen’s League.

Saka ini handidi kuona madzimai achingodzingwa, vachifurirwa, munhu achisara akapeta maoko zvake achiramba zvaanenge aita. Aiwa vana vari kurwadziwa uko. Vaakungonzwa chando uko, vari vega vana tichingopeta maoko, tichingorova imbwa takaviga musoro; navo navo vana root cause tisingaibate.

Kwete. Zvaakutoda kuendeswa kudisciplinary committee izvi. Ndinozvitanga inini, kuti ngazviende kudisciplinary committee; tirege kuramba tichingodzinga vana munhu achisara akangopeta maoko.

Mawar veterans vapera kudzingwa tichiramba takangonyarara.

Ngazvitaurwe izvi kuti vana vapera kudzingwa, but root cause muchingosiya. Kutya; muri mutyutyu marume ekupi, mazigwara. Muri makwara. Handidi izvozvo. Handidi. Nekuti majournalist aya anopihwa mari yekuti huyai munyore. Nyorai. Asi ini ndotaura pachena. Handiite zvekuviga.

Ndotaura chokwadi chizere. Hatidi kuti vana vashaye kugara kwakanaka muparty. Vana vanoda musangano wavo weZanu-PF. Hausi wemunhu mumwe chete. Asi leadership yatinayo ndiPresident chete. Manzwa vaChipanga vachitaura nezveconstitution. Constitution yakanga yakagadzirwa zvakanaka ichinzi paPresidium pamusoro apo pana President, netwo maVice-President, and one of the Vice-Presidents shall be a woman.

Zvakazochinjwa pakabva Mai Mujuru, but zvachinjwa kudaro, ndopakazopinda VaMnangagwa. Saka, vari kuzviziva kuti position yedu takuida. Tiri kuida.

Anopindapo, anopinda ipapo, it’s up to us as women. Tichagara nemapredecessor angu, ana Mai Muchinguri nemamwe madzimai.

And we will decide watinoda kuti aite Vice-President tega semadzimai. Saka, hatidi vanopindira chinzvimbo vachiti uyu ndiye anoita, uyu haaite.

Kwete. Tinoda kupihwa opportunity yekuti tiite basa redu zvakanaka. Tiri kuenda hongu; Yakatodaidzirwa, takanyorerwa matsamba kuti kuchaitwa Extraordinary Congress.

Saka isusu before that Congress, zvanga zvichambotaurwa navaChipanga, muna November munomu, tinoda kuti constitution ichinjwe accordingly.

Kana taakuenda tonoita adopt nyaya iyoyo yekuti one of the Vice-Presidents shall be a woman. Ngazvichinjwe according to the constitution. Hatisi kubirira munhu, hatisi kutorera munhu, but tinoda kuti tipihwe nzvimbo yedu. Hatidi kunzi isusu tinongoshandira musangano chete.

Kwete.

Takambodzorerwa kumashure but iko zvino takuti kwete taakuda nzvimbo yedu.

Nekuti vamwe vari kusweroti hee mukazodaro, vaMugabe vari kuzoda kuti mudzimai wavo aite Vice-President, muchinyeperwa. Iproposition iyo. Tiri kugadzirira even the future women, mayouth edu. Yes, hatidi kuti muitwe hoodwink kuti vanozopinza mai nhingi namai nhingi.

Ko, ini ndakapinda zvakaipei?

Handisi mumusangano?

Ndirimo wani.

Aah, ko zvakashatei?

Kana vanhu vachiziva ndinoshanda, vachida kushanda neni, chii chakaipa? Hapana chakaipa, asi zvandataura, we will sit down and discuss the issue, kwete zveku rubbishana panapa.

Vari kuda kudai, vari kuda kudai. Dynasty, dynasty. Ayewa ka! Maakuzoti kwavaMugabe haichashanda, kwenyu ichishanda? Hatidi izvozvo

Saka vaChipanga, ndinotenda nekutisuppota kwamunotiita. Isusu tinokusuppotai zvakanyanya because muri vana vedu. Ndambotaura navaChipanga kuti ini handisi munhu anovhaira, asi ndiri munhu anotaura chokwadi. Ndiri business-minded. Handidi kukunyeperai, saka ndiri kuti, yes, mainterface rally taita, it’s part of our mandate as part of the Youth League, asi ndiri kuda kukudzidzisai business.

Ndanga ndichitomuudza maprogrammes andatoiita atoraiser mari yakawanda yatinayo muaccount as Women’s League.

Saka, ndoda kukudzidzisai mabusiness sezvatinoita kuWomen’s League.

Inini pandakasvika, handisi kushora munhu, but ndakasvika muaccount muine US$49, but iko zvino, tava ne over US$200 000. And ndanga ndichimuudza kuti by the end of next year, tinenge tava neover a million.

Tiri kuda kuuser that money kuita maprojects to empower women.

Ndosaka ndanga ndiri kuti inini ndinoda kuti imimi muvepo muite part of the programme yatiri kuita.

Mataura imimi kuti there is demand for regalia. Ndakanga ndaenda kuChina, not long ago, ndakatono order mafabric edu – 70 000 metres.

Ndaka order zvinoenderana nemari nekuti imwe mari tiri kushandisa kuita mamwe maprogrammes amuri kuona ehuku dzatiri kupa vanhu nezvimwewo. Saka regalia iri kuuya, but inenge isiri kupihwa for free. Ichange ichitengeswa nekuti tinenge tichida kuti tiwane imwe mari yekutenga imwe regalia.

Saka ndinoti Bulawayo, ane nzeve dzekunzwa ngaanzwe. Ane nharo ngaaite nharo at their own peril. But the truth is we have one centre of power, President Mugabe.

Saka ini ndinokutendai nekuuya kwamaita.

Tanzwa zvichemo zvenyu.

Zvimwewo zvatiri kuita, even maprogrammes iwayo, tinoda kumaunzawo kuno kuBulawayo, kuti vanhu vaone kurarama.

It’s not about getting the people to support the party, but vanhu vanofanira kurarama as well.

Ndakutendai.

Maita henyu.

 

Share This:

Survey


We value your opinion! Take a moment to complete our survey

This will close in 20 seconds