I’m falling in love with mainini

27 Apr, 2014 - 00:04 0 Views

The Sunday Mail

Mai Chisamba
Mwana wangu here?
Greetings, Mai Chisamba. I have never caught my wife cheating on me, but I have since discovered paakanditizira kuti she was dating another man aitoda kumuroora. I now suspect she must have chosen me because she wanted a secure future for her child because pregnancy yacho yakazongouya quickly.
Ndiri kushaya kuti ndoitanga sei nyaya yacho but I want us to check paternity yefirst born yedu because I am no longer at peace. – Distressed, Karoi

Response
Wanano dzekutizirana mukumbo dzave shoma zvekare dzinoratidza kusagadzikana kana kusarongeka. Nguva zhinji dzinokonzerwa nekutanga kuisa bonde mberi asizve dzichikonzera kusavimbana. Wanano inoda kubudirana pachena, tell your wife you want your first born’s paternity checked and the reason why. Ukasaita izvi hauwane zororo, zve zvino kutadzisa kunyatsogashira mwana uyu.

I’m falling in love with mainini
Makadini henyu, Amai. I am 23 years old and have been married for six months. I love my wife. However, after I got married I have discovered that my wife’s younger sister is more beautiful (and would want to imagine, more loving) than her sister.
What has worsened the situation is that she has moved in to stay with us. Ndoita sei nemuramu wangu uyu?
Everyday I rush home after work, not to see or be with my wife, asi kunoona mainini. Ndiri kushaya hope navo. I know it is bad but I cannot help myself.
Ndomutsvagira nyaya here abve pamba pano ndisati ndabatwa nemuyedzo? – Gibs, Mutare.
Response
Chokwadi chaicho ndicho chauri kupesana nacho, how can you say you love your wife apa uri kudonha rute nekuda mainini, her blood sister? It is unheard of! Dambudziko rako rinonzi ruchiva, nhasi wabheurwa namainini, mangwana uchabheurwa naMadhafinya.
Dzidza kugutsikana nemukadzi wako uzive kuti ndiye number one.
Dzikama, nyika yave nemazino, unorumwa.

Ndiri kutsvaka baba vangu
Thanks for coming to The Sunday Mail, Mai Chisamba. Only recently did my mother tell me that I am not my father’s child. The man I thought was my father is late and I have been told that my real father is someone from Masvingo. So it means all the relatives that I thought were mine are not. I feel so empty kuti ndotsvaka here baba vangu? Life is not going well for me and sometimes I think if I connect nedzinza rangu maybe life will get better. Help me start life all over again. — Kwekwe.
Response
Mai vakaita zvisina rudo kwauri zve zvinogona kunge mai vasingatozive kuti baba vako ndevapi. Pada vaisangana pabonde nevarume ava panguva yavakazobata pamuviri pako zvinova zvinhu zvisingakurudzirwe.
Kunze kwekungochema, mazuva ano unogona kuenda kuma DNA tests kuti uzive baba vako chaivo.
Vawakakura uchiti ihama dzako kana zvino usavarase, rudo nekuwadzana zvinongogonawo kubatanidza vanhu kupfuura ropa. Ndinokushuvira hupenyu hutsva hwakanaka.

Handidi chipostori
Ini ndiri musikana wemakore gumi nematanhatu. Vabereki vangu vanopinda chechi yechipositori. Ndiri kunzi ndiende pane vamwe baba vanotove nevakadzi vatatu.
Vabereki vangu ndakavaudza kuti ndiri kuda kutanga ndapedza chikoro asi ivo vari kuti imba ndiyo inokosha.
Ndotiza musha nevabereki here? Ko mari yekurarama ndinoiwanepi? Kuchiri kunamata here uku kana kuti huroyi? – Harare.
Response
Shandisa mutemo kuti ukudzivirire. Imhosva pachezvayo kumanikidzira musikana wezera rako kunoroorwa nemurume wausingade zve ane vakadzi vake kare. Kune mapoka anomirira kuona kuti kodzero idzi hadzina kutyorwa.
Wanano idunga munhu, hausarudzirwe murume. Vabereki vako nechechi yavo vari kupara mhosva, ngavachenjere kusungwa.
Zano rechikoro rine pundutso nehupenyu hwamangwana. Wanano ine nguva yayo newirirano, haitize.
Handingati chipostori huroyi, zvinamato zvinosiyana.

Ndiri kutsvaka mukadzi
I am a man of 42 years and I am not married. Pese pandinoedza kutsvaga musikana ndinongowana ndapera simba panguva yekupfimbana.
Ndinoenda kubasa uye handishoreke pachiso. Handisi kuziva kuti ndini here kana kuti vabereki vangu vane zvavakanditakurisa. – Single, Harare.
Response
Aiwaka, munopedzwa simba nei kana moda kupfimba musikana? Ini maonero angu ndeekuti hapana kana chamakamboitwa nevabereki venyu, chamusina chinonzi chivindi – kakushinga kaye kakaomarara kekuti I will go for it. Kana zvakaoma mutsika nemagariro munogona kuti sahwira kana hama ikukandirei shoko.
Mazuva ano zvapfava, munogona kutaura naye paWhatsApp, paphone kana any social network, neizvi ndofunga hamungapere simba. Kurudziro imwe ndeye kungoenda kwamedical doctor munoongororwa kuti zvese zvakanaka here kusanganisira nezviya zviri mamuri zvinogona kukutekenyedzai pakupfimba musikana. Good luck.

Mbereko yaramba
Mai Chisamba, isu tanetseka nembereko. N’anga nemaporofita tazama kasi zvirikuramba. Tava nemakore matatu tachata. We love each other and we sometimes think of adopting.
Is it a good idea? What will our relatives think and say? – Marondera.
Response
Hupenyu idunga munhu, life is about you. Kana moita zvinobata upenyu musanyanyopedza nguva nekuti vana ngana vanotii.
Hongu apo neapo mazano marairanwa, asi vakuru vanoti zano unopangwa uine rako. Handishore zvamunodaira asi kurudziro yangu ndeye kuti endai kwamedical doctor chaivo nekuti kune maresults anobatika amunogona kushanda nawo.
Don’t panic, three years of marriage is a short space of time, pamwe hamutorina dambudziko, inguva chete.
Hapana chakashata neadoption inogona kuitwa nemunhu wese chero vane vana zvichienda nekuti manzwisisana muwanano yenyu. I am happy you love each other, keep the fire burning.

Muchaputsira vana dzimba
Amai Chisamba, muchaputsira vana dzimba imi. Last week makati hakuna basa rinonzi rechirume kana rechikadzi. Anyone who follows your advice marriage yake hairarame kana mwedzi chaiwo. – Wiseman, Bindura.
Response
Mukubata kwedu tinokoshesa kusiyana kwemaonero nemafungiro.
Rimwe remabasa edu ndere kupanana chenjedzo nekubhebhenurana meso.
Ndakavhunduka kuti iwe wasara uri pacorner ipi yeupenyu, tave muna 2014. Nyika yazara netechnology, humhizha. Mabasa ava kutariswa zviri mupfungwa nemagonero.
Wakambonzwawo here kuti mazuva ano vakadzi nevarume vanogona kushanda semapilots, doctors, engineers, mumahotels akawanda, kunyangwe vana baba vari kukanga zvinodakadza.
Tarisa kunyangwe mumauniversities, mavice-chancellor varume nevakadzi. Usarasise vanoda kubatsirwa. Uri panyaya yemabasa here kana kuti pahuranda?

Tigere zvakanaka
Handina hangu problem, Amai Chisamba, but ndaida kungokufarisai. Tigere zvakanaka nomudzimai wangu. Maproblems tinotomanzwira kumanextdoor nemanewspaper. – Blessed, Harare.
Response
Ndinotenda nekukwaziswa. Unodadisa kutaura kuti mugere zvakanaka, maproblems motoita ekunzwa. Well done! Keep it up, love inorapa.

Mukadzi anemari anonetsa
Your letters last week confirmed my worst suspicions. That accountant from Jo’burg thinks she is a man because she has money?
Warning to all men – do not let your wife get more money than you. Haigarike imba iyoyo. – Husband.
Response
Mari haina maziso kana pfungwa, haitozivi kuti iri muhomwe yemukadzi kana murume.
Ndafunga kuti uchapawo zano rekuti musarege mari ichikuparadzanisai.
Kune vana mai vakawanda vane mari ine mumvuri asi nekuti vanonzwisisa kuti muwanano ndezve murume nemukadzi, havana dambudziko.
Kurudziro ndeyekuti mumwe wedu mumarriage akawana mari yakawanda zvanakira mhuri. Kana uchiri kuona vanhu vaviri muwanano yako hausati wagadzikana. Shamwari, ita easy on the pedal, pfava.

Feedback to [email protected]

Share This: